Ngatiite zvakanaka
AFM Nziyo 161
1
NGATIITE zvakanaka Kune avo Vanochema, Ngatiite zvakanaka Kune vanotambudzika; Kuti tizokomborerwa Parwendo rwedu pano, Ngaticherechedze avo Vane mwoyo yeurombo.
Chorus
Nguva yedu ipfupi kwazvo, Nguva yedu ipfupi kwazvo, Hatizivi musi uyo Mwari anotidaidza.
2
Ngatitaurire avo Vanoshaya Muponesi, Vakarasa nzira dzavo, Va’akufamba kune rufo, Kuti tizofara kwazvo Ngeupenyu hworutendo, Ngatishinge kutaura Kuti tinopona senyi.
3
Vese avo vari sure Vanoona nzira dzedu, Vadikanwi vari sure Vanofunga nzira dzedu; Ngatifambe zvakanaka Pane nzira muupenyu, Mwoyo izokura kwazvo Nerutendo kuna Jesu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.