Bhaibheri

Ngatiende vadikani

AFM Nziyo 163

1

NGATIENDE , vadikani, Kune munda wake Tenzi, Unodiwa vekurima, NdiSamunda wadidza

Chorus

Kasikai kuendayo, Kune zunde rake Mambo; Endai iyo, endai iyo, Kune zunde rake Mambo.

2

Jesu wati kuna Pita, “Chitevera sure kwangu, Unozovabvuwa vanhu,” Kubva mune dima guru.

3

Jesu Tenzi watiudza, “Endai kune pasi pese, Muchiparidzira izwi Kune ndudzi dzese dzese.”

4

Zvino rava jana redu Rekutora iri soko Kuna ivo vari kure, Vasikamuzivi Tenzi.

5

Jesu wati “Kumbiranyi Vapupuri kuna Ishe, Zvokwasvika kupupura Vashomana vapupuri.”

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.