Bhaibheri

Apo toropito yake Mwari inorira kwazvo

AFM Nziyo 172

Apo Toropito Yake Mwari

1

APO toropito yake Mwari inorira kwazvo, Inotaura kune vese kuti “Uyai” Tese tinobvira kuenda iyo hakusari munhu, Nemazita edu achazodaidzwa.

Chorus

Kuti ndodaidzwa ndiye, Kuti ndodaidzwa ndiye, Kuti ndodaidzwa ndiye, Kuti ndodaidzwa ndiye, ndova’yo

2

Asi hatizivi musi uyo tichadanwa ndiwo, Ndizvo ngatigadzirire zvino pano, Tirindire uyo musi tizonatsa kuenda iyo, Nemazita edu achazodaidzwa.

3

Ngatibate basa redu nemasimba misi yese, Ngatitaure zvishamiso zvake zvese, Tichiita zvakanaka kune vanhu vese vese, Nemazita edu achazodaidzwa.

4

Asi isu wemaKristru hatizotyi kuenda iyo, Mwari ndiye Baba wedu wakanaka, Jesu Kristu ndishamwari, ndiye anotonga vese, Nemazita edu achazodaidzwa.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.