Bhaibheri

Kudzai Mambo ano utsvene

AFM Nziyo 2

Kudzai Mambo M.H.B.4

1

KUDZAI Mambo, ano utsvene; Ari kudenga ana masimba; Ndiye nhowo yedu yakarekare; Chigaro chake chakakurumbidzwa.

2

Imbai masimba nengoni dzake, Ari kudenga nenguwo chena; Hasha dzake dzose dzinotinhira, Anofamba zvake pachamupupuri.

3

Ana masimba, wakaisika Nyika nezvinhu zvose zvirimo, Wakaitsigira nomurairo, Wakaikombera nemvura yose.

4

Kufudza kwako kusingarehwe; Kuri pamhepo napakupenya, Kuri pamakomo napamakan’a, Kuri pane mvura napane dova.

5

Isu vaduku hatina simba, Tinotarira chete kwauri; Tsitsi dzako dzese dzisingaperi, Hama yakanaka nomununuri.

6

Una masimba norudo rwose: Dzinokuimbira hondo dzose kudenga Nesuwo venyika tinokuimbira, Tino kurumbidza kusingaperi.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.