Uya mwoyo wangu
AFM Nziyo 44
Uya mwoyo wangu! Xhosa, 133
1
UYA mwoyo wangu, Uya kuna’she wangu; Uya nhasi wakaipa, Usaende pano rufu, Uya mwoyo wangu.
2
Chema mwoyo wangu, Nezvakaipa zvangu; Zvakaipa zvinonyadza, Asi ini ndichinazvo, Chema mwoyo wangu.
3
Teura mwoyo wangu, Uya kuMununuri; Daidza iwe kuna;she, Unonzwa iye kudenga; Teura mwoyo wangu.
4
Imba mwoyo wangu, Tenda kuna’She wangu; Wakambouya panyika, Kuti ndiende kedenga; Imba mwoyo wangu.
5
Fara mwoyo wangu, KuMununuri wangu, Wakauya kundifira, Zvino wakandiponesa, Fara mwoyo wangu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.