Bhaibheri

Ngatimukudze Mwari

AFM Nziyo 5

Ngatimukudze Mwari M.S.S.H.B.51

1

NGATIMUKUDZE Mwari Nemwoyo inofara, Tsitsi dzake ihuru Dzinoitirwa isu

2

Anorayira zuva Rivhenekere nyika: Tsitsi dzake ihuru Dzinoitirwa isu.

3

Zvinhu zvose zvipenyu Zvinoponiswa naye: Tsitsi dzake ihuru Dzinoitirwa isu.

4

Anotikwanisawo, Anoda kukumbirwa: Tsitsi dzake ihuru Dzinoitirwa isu.

5

Kana tiri panhamu Tinochengetwa isu: Tsitsi dzake ihuru Dzinoitirwa isu.

6

Mwana wake wakafa Kuti tipinde denga: Tsitsi dzake ihuru Dzinoitirwa isu.

7

Ngatimukudze Mwari Nemoyo inofara; Tsitsi dzake dziripo Dzisingaperi idzo

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.