Bhaibheri

Vazhinji vanayo nhaka

AFM Nziyo 55

Vazhinji vanayo nhaka Xhosa, 165

1

VAZHINJI vanayo nhaka Yavanozviinzva nayo; Vazhinji vanayo pfuma Yavanozvifarisa nayo.

2

Handizvidzi zvipo zvako Zvohuhu upe huripo; Asi iwe Ishe Jesu Uri nhaka yangu kwazvo.

3

Kunyangwe ndanga ndisina Zvinhu zvoruno rugaro; Ndinewe muridzi wazvo, Ndine zvinhu zvose newe.

4

Kana wava wangu Jesu Ndakwana nezvinhu zvose; Nezvi zviripo ndezvangu, Nezvinouya ndezvangu.

5

Neino nyika ndeyangu, Nairo denga nderangu; Nahwo upenyu ndohwangu, Nokunakirwa ndokwangu.

6

Hahuperi uhwo upenyu, Huri nhaka yangu newe; Kunakirwa hakuperi, Kwandakawana kunewe.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.