Isabata nhasi Ishe
AFM Nziyo 63
Isabata nhasi Ishe Xhosa, 249
1
ISABATA nhasi Ishe, Iro zuva rako; Vanofara vanhu vako, Nero zuva rako.
2
Wakamuka nhasi Ishe, Pane guva rako; Wakakunda nhasi kufa Nokumuka kwako.
3
Wakamuka Iwe M;soro, Wavo vanotenda; Tichamuka nesu tose, Isu tinotenda.
4
Ngarinzwike dama rako Navazhinji nhasi; Ngavamutswe pano rufu, Vave newe nhasi.
5
Tinotenda Iwe Jesu, Pano pamba yako, Tine zvinhu zvose isu, Nokumuka kwako.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.