Bhaibheri

Famba mangwanangwana

AFM Nziyo 67

Famba mangwanangwana M.S.S.H.B. 260

1

FAMBA mangwanangwana, Famba masikati, Famba zuva radoka, Famba pausiku; Famba nomwoyo mutswene, Urege kutyiswa, Upfugame namabvi, Teura kwaari.

2

Kumbirira shamwari, Vose unovada; Kumbirira vavengi, Rega kuvasiya, Shure kwazvo kumbira Chootsvaga oga, Nero Zita raJesu Mununuri wako.

3

Kana washaya nzvimbo, Yokugara woga, Kana varipo vamwe, Zvimwe une basa; Chimutsa moyo wako, Mwari anokunzwa, Kufunga kwedu kose Kunozibwa naye.

4

Kana waona nhamu, Teura kwaari, Neparufaro rwako, Tenda kuna Mwari; Simba raakatipa, Rinokuna zvose, Simba rokuteura Kuna Mwari wedu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.