Bhaibheri

Wauya! Wauya! Mucheki mukuru

AFM Nziyo 72

WAUYA! Wauya! Mucheki mukuru Xhosa, 212

1

WAUYA! Wauya! Mucheki mukuru, Vanhu vachaona Ishe wedenga, Vanogozomutswa vari kumakuva, Ava vaonekwe vose pakachena.

2

Zvinhu zvatinoona zvose zvichatsva, Makomo, mapako, zvichanyongodeka, Zuva richadzimwa mwedzi uchapera, Vakaipa vachashaya pokuvanda.

3

Mucheki asvike nehondo huru, Hondo inouya yavanyai vedenga; Nameso oMucheki mukuru aone, Zvinhu zvakavanda, zvinhu zvakaipa.

4

Vatadzi vanova nokutya kukuru, Vanogodedera pameso oMucheki, Vasakarurama vachazoparadzwa, Vaiswe munzvimbo yokutambudzika.

5

Regai zvakaipa, mutye mururame, Munzwe izwi raShe, munamate mose, Zviteurirei, mutsvake netsitsi, Inguva nazvino, uyai mugam’chire.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.