Bhaibheri

Musi wehasha nokutya

AFM Nziyo 75

Musi wehasha nokutya Xhosa, 844

1

Part 1 MUSI wehasha nokutya, Musi wokuchema kwazvo, Achazadziswa Matama Avaprofta vakare.

2

Achauya kuzopisa Denga nenyika nazvose, Mutongi mukuru Jesu, Tinogoita seiko?

3

Hedzo manzi dzicharira, Vachadzinzwa pamakuva, Vapenyu nevashakabvu, Vanoenda kundotengeswa.

4

Nyika inogoriridza, Anogoshama makuva; Zvinhu zvose zvichamuka, Zvinogopindura Ishe.

5

Urwo rugwaro rutsvene, Mune zviito zvavanhu, Runogoverengwa na’she, Zvose zviiswe pachena.

6

Part 2 Mutongi zvaakagara, Anotonga zvinhu zvose, Nezvo zvakanga zvavanda, Mabasa namatamawo.

7

Ndinogoita seiko? Tsitsi dzinogobvepiko? Anondiyamura ndiyani? Nomusi uyo wokutya.

8

Mambo woutsvene, Iwe, Wakatipa Muponisi, Tiitire tsitsi, Ishe, Musi uyo wokutongwa.

9

Iwe Jesu wave munhu, Nenzira yoruponiso, Rega kundisiya zvino, Ndive mutandwi naMwari.

10

Wakambonditsvakisisa, Wakambondifira ini, Basa rako guru, Ishe, Haringandiponise, nhai?

11

Part 3 Mutongi wakarurama Ndiregere zvakaipa, Ndiitire tsitsi, Mwari, Musi usati wasvika

12

Hongu ndine mhosva ini, Ndinonyara mberi kwako, Ndinochema kwazvo kwazvo, Ndiregere, Mwari wangu.

13

Iwe wakamboponisa Mukadzi akaipisa, Nembavha pamuchinjikwa, Ndiitire tsitsi neni.

14

Zvikomero zvangu zvose, Nayo minamato yangu, Haine basa, Jehovha, Chete ndochemera tsitsi.

15

Ndiise nehwai dzako, Ndirege kuva nembudzi, Parudyi rwako kudenga, Ndopandinoda kugara.

16

Ndinopfugama netsitsi, Ndinorwarira zvitadzo, Ona, Mwari, mwoyo wangu, Uya kuzondiponisa.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.