Pakudenga kuna Baba
AFM Nziyo 77
Pakudenga kuna Baba Xhosa, 189
1
PAKUDENGA kuna Baba Kwakanaka kwazvo; Pakudenga kuna Baba, Kwakafara kwazvo.
2
Hakupindi chakaipa, Kana chiri chimwe, Hakupindi zvokurwara, Nechirwere chimwe.
3
Ndavatsvene ivo voga, Vanogara ikoko; Vanokuda vanamate, Iwe Mwari wavo,
4
Vakawana musha wavo, Musha vakagara; Vakawana noupenyu, Husingapfuure.
5
Ndiri mweni pane nyika Ndinosuwa denga; Ndandipinde newe Jesu, Ndiende kudenga.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.