Bhaibheri

Ndinofara kuti Baba wedu

AFM Nziyo 82

Ndinofara kuti Baba wedu Sankey, 5

1

NDINOFARA kuti Baba wedu Wareva rudo rwake rukuru, Parugwaro rwake rwakanaka, Wakandiudza Jesu wandida.

Chorus

Ndinofara Jesu wandida, Anondida, anondida; Ndinofara Jesu wandida, Ini anondida.

2

Kana ndichimukanganwa Iye, Asi anongondiyeuchidza, Zvino kwaari ndinodzokera, Ndofunga kuti Jesu wandida.

3

Jesu anondida ini kwazvo, Kuti wandipa upenyu kwake; Kutadza kwangu wakakufira, Ndoziva kuti Jesu wandida.

4

Mwoyo wangu uno Muyamuri, Ndinotenda Jesu Mununuri, Zvino ndinogomubatirira, Nokuti ndonzwa Jesu wandida.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.