Bhaibheri

Ndozviisa pana Jesu

AFM Nziyo 90

Ndozviisa pana Jesu, M.H.B. 881

1

NDOZVIISA pana Jesu Zvakaipa zvangu; Anonditakurira, Mutoro mukuru: Ndouyisa kuna Jesu Mhosva dzangu dzose, Ndinoda kushambidzwa, Nditsveniswe kwazvo.

2

Ndokumbira kuna Jesu Zvose zvandashaya, Anorapa zvirwere, Anondinunura. Ndouyisa kuna Jesu Dambudziko rangu, Anondisunungura Tinogoverana.

3

Nozorora pana Jesu Mweya wakaneta, Ndorinda zvakanaka Pachipfuva chake; Zvikuru ndinomuda Jesu Kristu Ishe; Ndiye Mufudzi wangu, Ndiye Muyamuri.

4

Ndoda kuva saJesu, Wanga akapfava, Ndiye mwana mutsvene, WaBaba kudenga. Ndoda kuva saJesu, Ndoda kudzidziswa Ndigomukurumbidza, Pamwe nengirozi.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.