Muka mweya wangu famba
AFM Nziyo 93
Muka, mweya wangu, famba M.H.B. 900
1
MUKA , mweya wangu, famba, Enda kundoita basa; Rasa nungo dzako, muka, Inguva yokuteura.
2
Mazuva akapfuura Nungo dzako, dzakanyanya; Simuka nhasi chenjera Kana Mwari achiuya.
3
Taurai mazwi akanaka, Imba pamwe nengirosi, Dzinoramba dzichiimba, Dzinokurumbidza Mwari.
4
Rukurumbidzo ngaruve Kwauri Ishe kudenga: Wandichengeta usiku Wandipamhidzira simba.
5
Ndauyazve kuzopika, Tive nechitenderano, Tanda zvakaipa zvangu, Ndizadze noMweya wako.
6
Tungamira musi uno Mabasa andinoita: Nezvifungo namatama Ndikunamate nazvose.
7
Imi mose pane nyika, Nemiwo muri kudenga, Kurumbidzai Mwari wenyu, Mwanakomana noMweya.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.