Bhaibheri

Mumwe musi ava mauro

AFM Nziyo 97

Mumwe musi ava mauro M.H.B. 916

1

MUMWE musi ava mauro, Varwere vakaungana, Panyasi paJesu Ishe, Vakaenda norufaro.

2

Nanhasi isu tauya, Toswedera nezvirwere; Mumhu wako hationi, Toziva kuti urimo.

3

Tanda dambudziko redu; Vamwe vairwara kwazvo; Vamwe havati vakunda, Vamwe vakarasa rudo.

4

Vamwe vakaneta pano, Vakashaya ruyamuro; Vamwe vane hama dzavo, Dzinovatambudza kwazvo.

5

Vose vanoda rufaro, Vanoda noruregerero, Navatendi vanoziva, Mwoyo yavo yakaipa.

6

Kristu iwe uri munhu, Wanga waidzwa zvikuru, Meso ako anoona, Zvatinotsvaka kuvanza.

7

Simba rako richigere; Unogona Kuponesa; Tinzwere tsitsi maur’ano Tiponise Mwari tose.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.