Now that the day fills the sky
1
ZVINO zuva rabudazve Tinokumbira Mwari Kuti mumabasa ese Namazwi atichengete.
2
Ndimi dzedu ngadzirege Kutuka nekunyepazve. Maziso ngaachengetwe Kune ruchiva rwepasi.
3
Mwoyo yedu ichenurwe, Pfungwa dzedu dzinatsirwe Zvitadzo zvenyama yedu Zvikundwe ngekuzviramba.
4
Ndizvo tapedza mabasa Nousiku huchisvika, Tichatenda Mwari wedu Ngekuti watichengeta.
5
Mbiri kunaMwari Baba, Mbiri kunoMukorore, Avo pamwe naye Mweya Tinoombera narini.Amen.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.