My God, wonderful thou art
1
MWARI uri munanisi Umambo hwakozve; Nomutsa wako mukuru Unojeka kwazvo.
2
Iwe unoremekedzwa Tenzi ndiwe Mwari, Unoomberwa zvikuru, Uchivirikidzwa.
3
Ndinokutya Mwari Wangu Nokutya kukuru, Nokukuombera Tenzi Nechemo yorudo.
4
Asi Tenzi ndinokuda, Unesimba rese, Nokuti wakakumbira Kuti ndikudise.
5
Hapana baba namai Vanondida sewe, Unondinyengera kwazvo Ini munyangadzi.
6
Mwari ndiBaba waJesu Ndichafara kwazvo Kukotama mberi kwako Ndikuyeve zvangu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.