My God, my Father
1
BABA ndiri kurasika Ndiri kufamba mugwenga, Ndidzidzisi kutaura, Kuda kwako ngakuitwe.
2
Kuti nzira ichinetsa, Ngandirege kupopota, Ndinamate soM'ponisi, Kuda kwako ngakuitwe.
3
Kana ndiri kuchemera Hama dzangu dzisisipo Ngandireve nokutiwa. Kuda kwako ngakuitwe.
4
Kana uchibvisa zvese Kuneni ndezvako Tenzi Ndinokupa zvako zvese, Kuda kwako ngakuitwe.
5
Mwoyo wangu ngaufadzwe Ngekuuya kwo Mweya, Mwari ungaite zvese, Kuda kwako ngakuitwe.
6
Simbisa mazuva ese Kuda kwangu ukuite Kufananidzwe nokwako; Kuda kwako ngakuitwe.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.