Bhaibheri

Vatsvene vepasi, navo

Anglican · Nziyo · 137

Lead saints on earth in concert sing

1

VATSVENE vepasi, navo Vatsvene vakafa Ngavaimbe pamwe vese, Varanda vaMwari

2

Tiri mhuri imwe tese Kudenga nepasi; Kana tichipatsaniswa Nerwizi rworufu.

3

Tiri hondo imwe tese YaMwari mukuru; Vamwe vakavira rwizi Vamwe vachi pasi.

4

Vamwe vakako- mborerwa. Vari mukubira; Vamwe vari kumirira Kudaidzwa kwavo.

5

Jesu iva simba redu Pamusi wokufa, Kuti tibire Jodani Tisvike kudenga.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.