O Jesus, I have promised
1
JESU, ndakapikira Nechipiko changu Ndinonamata iwe Mubatsiri wangu. Handizotyi kukundwa Kana uri petyo, Nokurasika nzira Uri mupereki.
2
Ndikunzwe petyo neni Ndakaunganirwa; Zviro zvokugarika Zviri kutambudza. Ndinotya mhandu dzangu Dzakawanda kwese Jesu, swendera petyo Undidzivirire.
3
Ndizvo taura Tenzi Nokupfava kwako. Chikurira ruchiva Nokuzvida kwangu. Ndipewo simba rako, Unditungamire. Ndiite kuti ndinzwe Izwi rako Tenzi.
4
Ndiite nditevere Tsoka dzako pasi. Handina simba Tenzi Asi rako chete. Chitungamira zvino Namazuva ese Dzamara pakuguma Ndive pamwe newe.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.