Hail to the Lord's Anointed
1
KUMWANA waDavidi, Nyama Changamire: Yasvika nguva zvino Yokukudzwa kwako: Wazovasunungura Avo vakasungwa; Chibvisa kusiyana Tonga uswature.
2
Nyika inopembera: Ngekukunda kwake, Vese vane rufaro Muna Tenzi Jesu. Nyika dzinopingudzwa Kunzwa izwi rake, Vakamutenda kare Vanondopembera
3
Wokudzwa namadzishe, Nyama Changamire, Marudzi amutsvake, NoUmambo hwake. Chavanohutendera Hakuketi ndudzi; Hufuke nyika yose Titongwe narini.
4
Vamambo vamarudzi Vachaunza zvipo, Zvendarama nemura, Kundomuombera. Vanhu vese vepasi Vachamutundidza: Umambo hunowanda; Hugere narini.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.