At the name of Jesus
1
ZITA rake Jesu Tinoombera, Mabvi apfugame Pamberi pake; Ndimi dzese dzese Ngadzitundidze, Mambo wedu Jesu, Izwi raMwari.
2
Zvese zvakasikwa Ngeizwi rake, Hondo dzengerosi Dzinopenyisa Nenyenyedzi dzese Dziri kudenga: Zvese zvinobvuma Musiki wazvo.
3
Wakazvirereka Kuti apiwe Zita rine mbiri Ngevanyangadzi: Wakaritakura Risine tsvina, Wakaridzokesa Kubva murufu
4
Wakaritakura Nokutendeka Somukundi wedu Kum'sorosoro! Ndiye muponisi, Ndiye Kristizve Unosiomberwa Zvino narini,
5
Ngatigadze Mambo Mumwoyo yedu Kuti akurire Zvitadzo zvesi: Mumuite Tenzi- Mururunziro Muchafungatirwa Mukuda kwake.
6
Hama, Tenzi Jesu Achauyazve Nembiri yaBaba Nengerosiwo; Mambo wavamambo Tinomubvuma, Kwidzai izwi renyu Kumuombera.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.