Bhaibheri

Mweya yese inotyei

Anglican · Nziyo · 153

Souls of men! why will ye scatter

1

MWEYA yese inotyei Sehwai dzakatyiswa? Imi masiyireiko Rudo rwedi rwa- Tenzi

2

Mufudzi anochengeta Hwai dzake nenyasha; Muponisi anoreva Kuti tiuye petyo.

3

Nyasha dzaMwari Mukuru dzakakura senyanza Unotonga vanyangadzi Nguva dzose no- mutsa.

4

Tenzi anonzwa masoko Edambudzo repasi Une nyasha Muponisi Kupinda vanhu vese.

5

Muno ruponiso rwese Muropa rake Jesu, Sezvo akasva kwazvo Tese tinofariswa.

6

Vanhu havazivi nedi Rudo rwaMwari wedu, Rudo rwake rwananisa, Mwoyo wake mu- kuru.

7

Uyaiwo kuna Jesu Imi mese musatue, Davirai kuti ndiye Anotida zvikuru.

8

Ngatigashire savanna Mazwi aTenzi Jesu, Misi yose tichafara, Tinogara naiye.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.