Bhaibheri

Uyai mudye Muviri waTenzi

Anglican · Nziyo · 198

Draw nigh and take the Body of the Lord (1)

1

UYAI mudye Muviri waTenzi NeRopa akaparadzira isu.

2

Takatengwa ngeRopa noMuviri; Zvino tasimbiswa tinomutenda.

3

Ngemuchinjiko neropa rake'po Kristu Muponisi wakakurura.

4

Wakaperekerwa vanhu vese Iye Muteuro; Iye Mupristi.

5

Kare nyenye dzakabairwa vanhu; Mufananidzo yeChidyo chaTenzi.

6

Mukufa ndiye achaponisesu, Nazvino anotipa tsitsi dzake.

7

Vanoyera vachachengetwa ndiye Vachagashira upenyu kudenga.

8

Nzara nenyota zvichapera zvino, NgeChingwa neWaini zvine upenyu.

9

Mutongi wendudzi dzese dzepasi Zvino unesu, ngatimuombere.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.