Bhaibheri

Mwari makafaranuka

Anglican · Nziyo · 204

1

MWARI makafaranuka Kugara saBaba, Mukorore, muuhumwe NoMweya wako Chingwa chedu, waini yedu Ndizvo tinozvipa Kuna Baba unoyera, Tichitenda kwaari.

2

Ndiwe Mwari wakasika Vanhu vese pasi Kuti vazofare newe Pano nokudenga.

3

Asi tese takatadza: Hatichafaniri Kupa chipo chedu kuna Mwari unoyera.

4

Ndizvo Mwari anetsitsi Akatipa chipo Chinogashirika kwazvo Kunaie mbune.

5

Chipo icho takapiwa Ndiye Mwari Baba Mukorore Jesu Kristu, Noupenyu hwake.

6

Ndizvo Mwari, Baba wedu, Hatizvisimbisi Tichiuya kudoimba Munamato wedu:

7

Zve, kunyange zvipo zvedu Zvisingafaniri Kuna Mwari, tichauya Tichiimba rwiyo.

8

Tinoshinga kuswendera Mwari unoyera Pamwe chete noM'ponisi Chipo chedu chedi.

9

Ndizvo Baba, mugashire Zvipo zvedu pamwe Nomuviri wakachena Ropa raJesuzve.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.