Bhaibheri

Iwe Izwi roKudenga

Anglican · Nziyo · 24

O heavenly Word, eternal Light

1

IWE Izwi roKudenga Wakaberekwa ndiBaba Wakabarwa pasi pano Kubatsira vanhu vako

2

Vhenekera mwoyo yedu Tizadze ngerudo rwako Kuti, tadaidzwa ndiwe Tirase zviro zvenhando.

3

Apo unozouyazve Kuzotonga vanhu vese Vanyangadzi vachadzingwa Vamwe vachkomborerwa

4

Tisaraswe pakuguma Pamsana pemhosva dzedu Tiite tikudisise Navatsvene vako vese

5

Mbiri kunaMwari Baba Mbiri kunoMukorore Naye Mweya Unoyera Zvino napanguva dzese.Amen.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.