See amid the winter snow
1
MWANA wabarirwa isu Ona arimo muchando Nyenye inorera kwazvo Yakabatidzwa karekare. Zuva rakakomborerwa Ngatiimbe ngekufara Kristu arimo mudanga Nhasi wabarirwa isu.
2
Iye wakasika denga Anogara achikudzwa Ngengerosi dzese dzese Arimo mudanga zvino
3
Imi vanhu tiudzei Nyaya yenyu yokufara Ngei maregera hwai Dziri kure pamakomo?
4
Apo takafudza hwai Takaona mbiri huru Ngerosi dzaimba kuti Runyararo kuna vanhu
5
Jesu sheshe inoyera Uno rudo rwashamisa Waregera mbiri yako Uchiuya somurombo.
6
Mwana wedu unodiwa Tipe titevere Iwe Mukutiwa nokupfava Rudo tsitsi norombo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.