Christians, awake
1
IMI Makristu mese pepukai Tenzi Jesu wakabarwa nhasi Ngatiombere rudo rwakadai Taudzwa ngehondo dzengerosi Nadzo soko rakatanga pasi Mwari wakabarwa neMhandara.
2
Ngerosi yati kuna vafudzi Ndine masoko okufarisa Muponisi wabarirwa imi Nendudzi dzese dzeiri pasi Chitsidzo chakaipiwa kunesu Chaitwa nhasi ndiMwari wedu.
3
Soko rapera: ndipo ngerosi Dzese dzaimbisa rwiyo rutsva Kukudza rudo rwatiponisa Denga rafara rese ngerwiyo Mbiri kumusoro kuna Mwari Norugare pasi kune vanhu.
4
Avo Vafudzi amhanya kwazvo Vasvika Beterehema uko Apo vaona Mwari M'ponisi NaMai nomureri Josefa Ndizvo vaombera Tenzi Jesu Nokuudza soko kune vanhu.
5
Ngatichengete mumwoyo yedu Rudo urwu rwaoniswa vanhu Ngatikudze Mwana waMaria Kubva mudanga kuMuchinjiko Tinobatsirwa ndiTenzi Jesu Dakara tichisvika kudenga.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.