Bhaibheri

'Po Jesu akaroverwa

Anglican · Nziyo · 66

1

'Po Jesu akaroverwa Pakati pavatadzi Gororo paMuchinjiko Rakatikuna Jesu Zvibatsirewo iwe Uponise, nesuwo.

2

Imwe mbavha yopindura, Rega tatadza tose; Uyu haana kutadza; Ndimudzidzisi wedu; Rega kumbomutuka Munhu mutsvene uyu

3

Jesu Ishe ndakuteta Munditonderewo M'ushe hwenyu hwokudenga Apo munosvikamo. Jesu akapindura, Ndichakugamushiramo.

4

Nhasi uchazona neni Muparadiso umo; Kana tafa pamwe chete Tichazogara umo; Vese vanopinduka Vanopinda kudenga.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.