Bhaibheri

Uyai zvino ticheme

Anglican · Nziyo · 70

O come and mourn with me a while

1

Uyai zvino ticheme, Uyai kuno M'ponisi; Tese ngaticheme pamwe; Jesu, Tenzi, waroverwa.

2

Hatimucheme here? Ari kusekwa navanhu; Onai kutiwa kwake; Jesu ,Tenzi, waroverwa.

3

Wabaiwa manja, tsoka, Wapera ngenyota zvino, Ropa razadza misodzi; Jesu, Tenzi, waroverwa.

4

Wareva mazwi manomwe Panguva yese yedima, Achinamatira vanhu; Jesu, Tenzi, waroverwa.

5

Ngatimire tese pamwe Pasi poM'chinjiko wake, Ropa ngaritidonhere Jesu, Tenzi, waroverwa.

6

Kumbirai muchipiwa Mwoyo mutsva unosuva; Tenzi Jesu ngaticheme; Watifira paM'chinjiko.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.