Bhaibheri

Pamusi weIsita, Areruya

Anglican · Nziyo · 87

1

Pamusi weIsita, Areruya Jesu wakamuka, Areruya.

2

Wakabviswa muguva mangwanani Wakaonekwawo naMaria.

3

Akafamba nhasi kuEmau Akavazivisa mumba mavo

4

Vapostori zvino vakasara Madekwana nhasi vachidya.

5

Nemisuo apo yakapfigwa Jesu anouya kuvadzidzi.

6

Runyararo rwake anovapa Vanofarisazve kumuona

7

Tomasi mutsvene asipo Apo akazvinwa naVadzidzi.

8

Akarambakwazvo kuzvitenda; Ndikaona Jesu ndinotenda.

9

Ngandiise munwe mumaronda; Ngandiise ruoko murutivi.

10

Mazuva masere apfuura Jesu akadzoka kuvadzidzi.

11

Ipapo akati kuna Tomasi Uya uonezve zvanza zvangu.

12

Tomasi akatenda Ishe wangu. Akanamatazve Mwari wangu.

13

Vakakomborerwa vamuona, Vakakomborerwa vanotenda.

14

Jesu wakamuka, Areruya; Pamusi weIsita, Areruya.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.