The day of Resurrection
1
Nhasi vamuka mukufa, Ngerosi dzinofara, Jesu watomuka chose, Nesimba rake rose
2
Wakunda vavengi vese, Rufu, chitadzo, nyika Navaipi vachipenga. Tikudze Tenzi wedu.
3
Ngerosi zvino yarasika Yazarura guva'ro, Jesu Tenzi wararama; Tikudze Mambo wedu.
4
Farai zvino Vatsvene Kudenga ,navo pasi, Jesu wapedza kurwako; Tikudze Tenzi wedu.
5
Wakamukazve achifara; Kufa kwakundwa ndiye. Kuti tafa muchitadzo, Timuke pamwe naye.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.