Above the starry spheres
1
KUMUSORO kudenga Kumusha waBaba Kristu wakakwira uko Kunndotuma chipo.
2
Zuva rakatsidzwa Ndiye Tenzi Jesu, Rakangae rasvika iro Zuva rePendekoste.
3
vadzidzi vakange Vari kunamata, Vakaziviswa nemhepo Kuvapo kwaMwari.
4
Runambi rwomwoto Rwakabva kudenga; Mwoyo yese yakapiwa Rujeko rwaBaba.
5
Vese vakapiwa Mweya Unoyera, Vakataura nendimi Mabasa aTenzi.
6
Vatorwa varipo Kubva nyika dzese, Vakashamiswa kuinzwa Mitauro yavo.
7
Vanhu vaivapo Vakavatswinyira; Vachiti ava varume Vararadza vese.
8
Petro wakamira Akatseura'wo Kusadavira kwavanhu, Akavapindutsa.
9
Tinokudza Baba, Mwana noMweya zve, Nhambwe dzese ngatipiwe Zvipo zvake Mweya. Amen.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.