Mwari Ngaakudzwe
Baptist Nziyo 1
1
Mwari ngaakudzwe—waita zvose, Wakada nyika seyi, wakapa mwana; Wakazvipira kuripira zvivi, Wakazarura musuwo, tipinde.
Chorus
Kudzai She, kudzai She, Nyika inzwai shoko, Kudzai She, kudzai She, Vanhu fara-i wo; Uyai kuna Baba muna Jesu She, Mumupe kukudza, waita zvose.
2
Ruponeso kwarwo, mutengo, ropa, Vatendi vakaruvimbiswa naShe, Mutadzi mukuru, kana watenda, Ipapo, anosunungurwa naye.
3
Wakatidzidzisa zvinhu zvikuru, Muna Jesu rufaro rwakakura, Asi chishamiso chedu chikuru, Chichakunda, kana taona Jesu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.