Ndotevera Jesu Ishe
Baptist Nziyo 102
1
Ndotevera Jesu Ishe, Wakandifira pano, Anondibatsira chose, Ndisvike kudenga 'ko, Ndino rudo norugare, Rwakapiwa kwandiri, Nokuda kwaJesu Kristu, Anogara mandiri, Nokuda kwaJesu Kristu, Anogara mandiri.
2
Ndotevera Jesu Ishe, Anondisimbisa wo, Anonditungamirira, Ndikunde miedzo 'po; Kunyange ndinotambudzwa, Nemiedzo yaSatan’, Ndichakunda zvinhu zvose, NaShe Jesu pan’ apa, Ndichakunda zvinhu zvose, NaShe Jesu pan’ apa.
3
Ndotevera Jesu Ishe, Murudo rwake pano, Kusvikira ndinoenda, Kundogara naye ’ko: Ipapo ndichamukudza Navatendi vose wo, Pamwe chete tichavonga Jesu Kristu saMambo, Pamwe chete tichavonga, Jesu Kristu saMambo!
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.