Bhaibheri

Mufudzi Wanga NdiJesu

Baptist Nziyo 105

1

Mufudzi wangu ndiJesu, Anondivatisa, Anondipa zvinhu zvose, Zvakanaka chose.

2

Jesu anondifambisa, Mukururama wo, Mwoyo wangu unofara Munzira yake ’po.

3

Kunyange ndinofamba wo, Munzira yorufu, Handityi mukati mazvo, Nokuti aneni!

4

Wakandigadzirira ’po, Tafura pamberi Pavavengi vangu pano, Timukudze zvino.

5

Ndichagara naJehova, Mazuva ose ’ko, Asi zvino ndoteverwa Netsitsi norudo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.