Bhaibheri

Mwenje Yedenga

Baptist Nziyo 108

1

Ndofamba naShe mazuva ose, Chiedza chake chinopenya; Jesu wakati, "Ndinewe kwose Kwaunoenda pano apa."

Chorus

Mwenje yedenga, mwenje yedenga, Inozadzisa mweya wangu! Hareruya! Ndinorumbidza, Ndakaponeswa; She ndowangu.

2

Kunyange Satan’ anondinetsa, Jesu aneni misi yose; Iye chiedza chenyika yose, Ndichatevera mwenje yake.

3

Kunyange rufu ruchandibata, Ndichatakurwa kudenga ’ko; Asi mis’ yose pano panyika Ndichamukudza nomufaro!

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.