Tipeiwo Rumutsiriro, She
Baptist Nziyo 115
1
Tipeiwo rumutsiriro, She; Vanhu vakarashwa muzvivi; Shoko renyu ngarisimbiswe, Tishandiswe, She, nemi.
Chorus
Tipeiwo mwoyo mitsva; Tipeiwo mwoyo mitsva; Tipeiwo mwoyo mitsva; Tishandiswe, She, nemi.
2
Tipeiwo rumutsiriro, She, Kuti tiswededzwe kwamuri; Tinoda kutendeuka zve, Tishandiswe, She, nemi.
3
Tumirai kuna vanhu vose Rumutsiriro, Jesu, nhasi, Vaponeswe kubva muzvivi, Tishandiswe, She, nemi.
4
Rumutsiriro ngarutange, Vose vasingakutadzirei; Mifaro yenyu youya wo, Tishandiswe, She, nemi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.