Gam'chira Mweya Wangu
Baptist Nziyo 125
1
Gam’chirai mweya wangu, Ndokupirai upenyu; Gam’chirai misi yose, Ngaikurumbidzei She.
2
Mugam’chire maoko, Aite basa renyu; Gam’chirai tsoka, Ishe, Kuti dzikumanyirei.
3
Gam’ chirai izwi rangu, Riimbire She vangu, Mugam’chire miromo, Iparidzire Mambo.
4
Mari yangu, gam’chirai, Pasina chandasiya; Gam’chirai ndangariro, Chiitai basa nayo.
5
Gam’chirai kuda kwangu, Kuti kusave kwangu; Zvino gam’chirai mwoyo, Chive chigaro chenyu.
6
Gam’chirai rudo rwangu, Ndokupai pfuma dzangu; Mundigam’chire, Ishe, Nguva isingaperi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.