Bhaibheri

Ndosanga Sei NaJesu

Baptist Nziyo 133

1

Ndosangana sei naJesu? Ndichandomuvigirei? Handina mumwe wokupa, Zuva rimwe; ndoitei?

Chorus

Ndosangana sei naJesu? Ndichandomuvigirei? Zvandisina mumwe oga Kundoisa kuna She!

2

Handichatyi rufu ini, Zvandarwirwa wo naye; Bva ndonyara zvandisina Chandingavigira She.

3

Dai makore okuchinya Ndaiadzoserwa zve, Ndaiapa Jesu wangu, Ndaiterera iye!

4

So, mutendi, usazeza; Muka, chibatira She; Shingairira vatadzi, Rwisa kuvadzosa zve!

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.