Bhaibheri

Panyika Dziri Kure

Baptist Nziyo 141

1

Panyika dziri kure, Kuchando zvirokwazvo, Nenyika dziri pedyo Kupisa basi-basi, Panyika dzemakomo Nedzimwe dzemikana, Vanoti, "Uyai hama, Tinoda Mwari wenyu."

2

Jehova wakanaka Kudisa vanhu vose, Anopa mvura yavo Nezuva nezvokudya; Nezvisimiro zvavo, Nenyama pamakomo, Vapiwa izvi zvose; Havamutendi, Mwari.

3

VaKristu, titi pano, Taziva ruponeso, Tonyima ivo here, Upenyu hwedu hutsva? Mashoko akanaka, Nga’tumwe kuna vose Dakara vanhu vose Vazive Mwari wedu.

4

Mabasa edu tose Kugara zvakanaka Nokubatsira avo Vasingazivi Mwari; Dakara Jesu Kristu Adzike zve panyika Kutonga vanhu vose, Kuita Mambo wedu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.