Bhaibheri

Endai Kuna Vanhu Vose

Baptist Nziyo 144

1

Vazhinji ‘po vasingazivi Jesu, Havanzwisisi nzira kudenga, Ndivanani vachavaudza zvaShe, Vaponeswe naShe iko zvino?

Chorus

Endai kuna vanhu vose, Endai kuna vanhu vose, Jesu wakapiwa wo, Simba rose 'po, Tarirai anesu tose!

2

Tarisa-i, tapiwa nguva zvino, Yokuenda tizivise vose; Mukai zvino, tiudze vose pano, Vaponeswe, vatevere Ishe.

3

Nemhaka yei muchafa pasi pano, Muende ’ko kugomba romwoto? Jesu Kristu wakatifira tose, Tiende kudenga norufaro!

4

Ngatiendei, kuti vose vauye, Vaimbe wo rumbidzo kuna She, Isu tose tichafara zvikuru Pamberi paJesu Kristu Ishe!

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.