She, Ndinatsei
Baptist Nziyo 147
1
Ndaitsvaka zvinhu zvose zvenyika, Bva hazvina kundigutisa, Ipapo She wakandidana, "Tenda kwandiri; uchafarisa!"
Chorus
She, ndinatsei, Kubva muzvivi, Ndinorasha zvitadzo zvino, Ndine nzara nokuda kwoutsvene, Ndinatswe, nemi, She, nhasi uno.
2
Saka hama dzangu tenda-i Jesu, Nzara yenyu ichagutiswa, She Jesu achakunatsa-i, Kana muchizvipira kwaari.
3
Zvinhu zvose zvenyika zvinopera, Hazvigoni kutigutisa, Bva uyai kuna Jesu Kristu, Ane simba rokutichenesa!
4
Saka, hama dzangu, tenda-i Jesu, She woga angakuponesei, Wakatifra pam’chinjikwa, Mupenyu nhas’ tiponeswe naye!
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.