Wakakunda Zvinhu Zvose
Baptist Nziyo 20
1
Jesu asati wauya, Wakavigwa kumeso, Bva zvino tingamuone, Pakumuka murufu.
Chorus
Tarisa-i kuna Jesu! Tarisai Jesu Kristu! Wakakunda zvinhu zvose, Pakumuka murufu; Wakakunda zvinhu zvose, Pakumuka murufu.
2
Jesu ari kuna Baba, Achitinamatira, Wakakunda zvinhu zvose Pakumuka murufu.
3
Vatumwa vomunamata, Vanhu vozviita wo, Ndiye Mudikanwa chose, Pakumuka murufu.
4
Kupfuura nguva dzose, Kudenga nokudzika, She chete wandiponesa, Pakumuka murufu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.