Nyasha Dzashe Dzakakwana
Baptist Nziyo 210
1
Kana makatambudzwa kwazvo, Munoda kusunungurwa, Chirangarira Shoko raShe, Nyasha dzaShe dzakakwana!
Chorus
Nyasha dzaShe dzakakwana..... (She dzakakwana) Nyasha dzaShe dzakakwana..... (She dzakakwana) Mukati memifaro kana nhamo, Nyasha dzaShe dzakakwana!
2
Satan anondinetsa chose, Asi ndinorangarira, Mukati menhamo mis’ yose, Nyasha dzaShe dzakakwana!
3
Chikepi changu chinonetswa, Nemhepo yavakaipa; Asi kunaShe ndozvipira, Nyasha dzaShe dzakakwana!
4
Kana upenyu hwakapera, Ndichagogara kudenga, Mazuva ose ndomuvonga, Nyasha dzaShe dzakakwana!
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.