Bhaibheri

Zuva Rimwe

Baptist Nziyo 22

1

Zuva rimwe She waiva kudenga, Wakatarisa zvivi panyika; Wakaburuka kuti azvarirwe Mumba memombe, andiponese.

Chorus

Wakaburuka; wakazvarirwa; Wakandifira pamuchinjikwa. Wakandiponesa mazuva ose; She achadzoka nerimwe zuva!

2

Zuva rimwe Jesu wakatifira, Isu vatadzi pamuchinjikwa; Wakatakura zvivi zvedu zvose, Atiregerere misi yose.

3

Zuva rinwe Jesu She wakavigwa; She wakaiswa muguva rake; Vatumwa vakaburuka panyika; Vakagadzira kumuka kwake.

4

Zuva rimwe She Jesu wakamuka; Dombo rakabviswa navatumwa; Kumuka kwake kwakakunda Satan’; Zwino She Jesu ari kudenga.

5

Nerimwe zuva She achadzokera, Panyika apiwe ushe hwake, Ipapo vose vachamunamata; Vachamukudza mazuva ose!

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.