Wouya Nhasi, Here?
Baptist Nziyo 26
1
Jesu achadzoka panyika; Wouya nhas’, here? Vose wo naye vachatongwa; Wouya nhas’, here? Vanhu vanotenda kuna She, Vachaungana kuva naye, Kubva panzvimbo dzose dzose; Wouya nhas’, here?
Chorus
Achauya; ndichafara chose; Achauya; tichakudza Ishe; Achauya; ngatigadzirirei; Achauya; She achadzoka zve.
2
Satan’ achasungwa mugomba, Wouya nhas’, here? Matambudziko achabviswa, Wouya nhas’, here? Vanhu vakafa muna Ishe, Vachamutswa, vaende naye, Kundogara mazuva ose; Wouya nhas’, here?
3
Takatendeka, here, pano? Wouya nhas’, here? Tinofanira kurinda wo, Wouya nhas’, here? Zviratidzo wo zviri pano, Kuuya kwake kuri pedo, Ngatigadzirirei zvino; Wouya nhas’, here?
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.