Bhaibheri

Munyaradzi Wauya

Baptist Nziyo 45

1

Paradza-i Shoko kuna vanhu vose Kwose-kwose kuna vanotambudzika, Kune ndudzi dzose; Shoko romufaro, “M'nyaradzi wauya.”

Chorus

M’nyaradzi wauya, Wabva kudenga 'ko, Mweya Mutsvene wo, Chipikirwa chaShe; Paradzai Shoko kuna vanhu vose, M'nyaradzi wauya.

2

Kana mune rima, chiedza chauya, Kutivenekera, Kutipa upenyu, NdiJesu Kristu 'She, wakatitumira, “M'nyaradzi wauya.”

3

Ishe wamadzishe waswedera pedyo, Kusunungurawo, vose vakasungwa, Tichafara navo, vakasunungurwa, “M'nyaradzi wauya.”

4

Tendei, tiparadzei; Mashoko anzwike, Vazhinji vatende; vazhinji vazadzwe, Kuti vagoziva simba ratapiwa, “M'nyaradzi wauya.”

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.