Matambira Jesu Here
Baptist Nziyo 55
1
Matambira Jesu here? Iye wakakufira-i, Anodisa imi mose, M’tadzi m'bvume apinde,
Chorus
Jesu anokudaidzai, Mhanyai mutambire She, Zarura-i mwoyo yenyu, Mubvumidze apinde.
2
Nguva dzose munodisa Zvinhu zviri pasi pano, Asi munoramba Jesu, Iye wakakufira-i.
3
Jesu anokudaidzai, Terera-i izwi rake, Nhasi nguva yakanaka, Chirega-i kunonoka.
4
Kufa kuchasvika idi, Muchaiswa muguva, Nguva iyo hamuchanzwi Kudaidza kwake 'ko.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.